Categories
Hosea

Hosea 11

Rudo rwaMwari kuna Israeri

1 “Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda,

uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.

2 Asi pandakanyanya kuvadana,

vakatonyanya kunditiza.

Vakabayira kuna vanaBhaari

uye vakapisira zvinonhuhwira kuzvifananidzo.

3 Ndini ndakadzidzisa Efuremu kufamba,

ndichivasesedza namaoko avo;

asi havana kuzvicherechedza

kuti ndini ndakavarapa.

4 Ndakavatungamirira nerwodzi rwounyoro hwomunhu,

nezvisungo zvorudo;

ndakasimudza joko kubva pamutsipa wavo

ndikakotama kuti ndivape zvokudya:

5 “Havangadzokerizve kuIjipiti

uye vaAsiria havangavatongi here

nokuti vakaramba kutendeuka?

6 Minondo ichapenya mumaguta avo,

ichaparadza mazariro pamasuo avo

uye ichagumisa zvirongwa zvavo.

7 Vanhu vangu vazvipira kutsauka vachibva kwandiri.

Kunyange dai vakadana kuna Iye Wokumusoro-soro,

haangatongovasimudziri kunyange nenzira ipi zvayo.

8 “Ndinokuregedza seiko, Efuremu?

Ndingakuendesa seiko, Israeri?

Ndingakuitireiko saAdhima?

Ndingakuenzanisa sei naZebhoimi?

Mwoyo wangu washanduka mukati mangu;

tsitsi dzangu dzose dzamutswa.

9 Handingazadzisi kutsamwa kwangu kukuru

kana kutendeuka kuti ndiparadze Efuremu.

Nokuti ndiri Mwari, kwete munhu,

Mutsvene pakati penyu.

Handingauyi ndakatsamwa.

10 Vachatevera Jehovha;

achaomba seshumba.

Paachaomba,

vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero.

11 Vachauya vachidedera

seshiri vachibva kuIjipiti,

senjiva vachibva kuAsiria.

Ndichavagarisa mudzimba dzavo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Chivi chaIsraeri

12 Efuremu andikomberedza nenhema,

imba yaIsraeri nounyengeri.

Uye Judha akasindimara pamberi paMwari,

kunyange pamberi paIye Mutsvene Akatendeka.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *