Categories
Hosea

Hosea 4

Israeri inopiwa mhosva

1 Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri,

nokuti Jehovha ane mhosva yaari

kupa kwamuri imi vagere munyika:

“Hapana akatendeka, hapana ane rudo,

hapana anoziva Mwari munyika.

2 Mune kutuka chete, kunyengera nokuuraya,

kuba noupombwe;

vanoparadza zvose zvinovadzivisa,

uye kudeuka kweropa kunotevera kudeuka kweropa.

3 Nokuda kwaizvozvi nyika inochema,

navose vanogara mairi vanoperezeka.

Mhuka dzesango neshiri dzedenga

nehove dzegungwa zviri kufa.

4 “Asi ngapasava nomunhu anopa mhosva,

ngapasava nomunhu anopomera mumwe

nokuti vanhu venyu vakafanana neavo

vanopomera muprista mhaka.

5 Imi munogumburwa masikati nousiku,

uye vaprofita vanogumburwawo pamwe chete nemi.

Saka ndichaparadza mai venyu.

6 Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo.

“Sezvo maramba zivo,

ini ndinokurambaiwo savaprista vangu;

nokuti makashayira hanya murayiro waMwari wenyu,

ini ndichashayirawo hanya vana venyu.

7 Vaprista vakati vachiwanda,

kunditadzira kwavo kukawandawo;

vakatsinhanisa kukudzwa nechimwe chinhu chinonyadzisa.

8 Vanodya zvivi zvavanhu vangu

uye vachifarira zvakaipa zvavo.

9 Uye zvichaitika kuti: Zvakaita vanhu, ndizvo zvichaitawo vaprista.

Ndicharanga vose, nokuda kwenzira dzavo

uye ndichavapa mubayiro wamabasa avo.

10 “Vachadya asi havangaguti;

vachaita ufeve asi havangawandi,

nokuti vakatiza Jehovha kuti vazvipire

11 kuufeve,

newaini yakare neitsva,

zvinobvisa kunzwisisa

12 kwavanhu vangu.

Vanobvunza chifananidzo chedanda

uye vanopindurwa netsvimbo yomuti.

Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika,

havana kutendeka kuna Mwari wavo.

13 Vanobayira pamusoro pamakomo

uye vanopisira zvinonhuhwira pazvikomo,

pasi pemiouki, mipopura nemiterebhini,

pane mimvuri yakanaka.

Naizvozvo vanasikana venyu vanotendeukira kuufeve

navaroora venyu kuupombwe.

14 “Handizorangi vanasikana venyu

pavanotendeukira kuufeve,

kana varoora venyu

pavanoita upombwe,

nokuti varume pachavo vanoenda kuzvifeve

uye vanobayira pamwe chete nezvifeve zvepashongwe,

vanhu vasinganzwisisi vachasvika pakuparadzwa.

15 “Kunyange uchiita upombwe, iwe Israeri,

usaita kuti Judha ave nemhosva.

“Usaenda kuGirigari;

usakwidza uchienda kuBheti Avheni.

Uye usapika uchiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu!’

16 VaIsraeri vakasindimara,

setsiru rakasindimara.

Zvino Jehovha achavafudza sei

samakwayana pamafuro?

17 Efuremu akabatana nezvifananidzo;

musiyei ari oga!

18 Kunyange zvokunwa zvavo pazvinenge zvapera,

vanoramba vachiita ufeve hwavo;

vatongi vavo vanoda kwazvo nzira dzinonyadzisa.

19 Chamupupuri chichavatsvairira kure,

uye zvibayiro zvavo zvichavaunzira kunyadziswa.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *