Categories
Hosea

Hosea 8

Israeri achakohwa chamupupuri

1 “Isa hwamanda pamuromo wako!

Gondo riri pamusoro pemba yaJehovha

nokuti vanhu vakaputsa sungano yangu

uye vakapandukira murayiro wangu.

2 VaIsraeri vanodana kwandiri vachiti,

‘Haiwa, Mwari wedu, tinokuzivai!’

3 Asi Israeri akaramba zvakanaka;

muvengi achamutevera.

4 Vanogadza madzimambo vasina kutenderwa neni;

vanosarudza machinda pasina mvumo yangu.

Vanozvigadzirira zvifananidzo nesirivha negoridhe ravo

kuti vagoparadzwa.

5 Rasira kunze chifananidzo chako chemhuru, iwe Samaria!

Kutsamwa kwangu kunopisa somoto pamusoro pavo.

Vachasvika kupiko vasingagoni kuzvichenesa?

6 Izvi zvinobva kuIsraeri!

Chimhuru ichi, chakagadzirwa nomupfuri,

hachisi Mwari.

Chichaputsika kuita zvimedu zvimedu,

icho chimhuru cheSamaria.

7 “Vanodyara mhepo

vachikohwa chamupupuri.

Dzinde harina kubereka;

haringabudisi upfu.

Dai raizobereka zviyo,

vatorwa vaizvimedza.

8 Israeri yamedzwa;

zvino yava pakati pendudzi

sechinhu chisina maturo.

9 Nokuti vakaenda kuAsiria

sembizi inongombeya yoga.

Efuremu akazvitengesa kuvadiwa.

10 Kunyange zvavo vakazvitengesa pakati pendudzi,

ndichavaunganidza zvino pamwe chete.

Vachatanga kuperezeka

pasi poudzvinyiriri hwamambo ane simba guru.

11 “Kunyange Efuremu akavaka aritari zhinji dzezvipiriso zvechivi,

idzi dzava aritari dzokuitira zvivi.

12 Ndakavanyorera zvinhu zvakawanda zvomurayiro wangu,

asi vakazvitora sezvinhu zvisinei navo.

13 Vanopa zvibayiro kwandiri

uye vodya nyama yacho,

asi Jehovha haafadzwi navo.

Zvino acharangarira uipi hwavo

uye acharanga zvivi zvavo:

Vachadzokera kuIjipiti.

14 Israeri akakanganwa Musiki wake

ndokuvaka mizinda;

Judha akomberedza maguta mazhinji namasvingo.

Asi ndichatumira moto pamaguta avo

uchaparadza masvingo avo.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *