Categories
Isaya

Isaya 21

Chiprofita pamusoro peBhabhironi

1 Chirevo pamusoro peRenje riri pedyo neGungwa:

Kufanana nechamupupuri chinovhuvhuta nomunyika yezasi,

mupambi anouya achibva kurenje,

kubva kunyika inotyisa.

2 Ndaratidzwa chiratidzo chinorwadza.

Mupanduki anopanduka, muparadzi anotora zvokupamba

Eramu, rwisa! Medhia, vandira!

Ndichagumisa kugomera kwose kwaakaita kuti kuvepo.

3 Naizvozvo muviri wangu wakazara nokurwadziwa;

marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka;

ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa,

ndakanganisika nezvandinoona.

4 Mwoyo wangu woziya,

kutya kwondidederesa;

rubvunzavaeni rwandaishuva

rwava chinyangadzo kwandiri.

5 Vanogadzira matafura,

vanowaridza micheka pasi,

vanodya, vanonwa!

Simukai, imi machinda,

zodzai nhoo!

6 Zvanzi naIshe kwandiri:

“Endai, mundogadza nharirire

uye muite kuti azivise zvaanoona.

7 Kana achiona ngoro namapoka amabhiza,

navatasvi vari pamusoro pembongoro

kana vatasvi vari pamusoro pengamera,

ngaave akachenjera, akachenjera zvizere.”

8 Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti,

“Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro peshongwe yomurindi;

usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu.

9 Tarirai, hoyo murume ari kuuya ari mungoro

neboka ramabhiza.

Uye anopa mhinduro achiti,

‘Bhabhironi rawa, rawa!

Zvifananidzo zvose zvavamwari

varo zvaputsirwa pasi!’ ”

10 Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro,

ndinokuudzai zvandanzwa kubva kuna

Jehovha Wamasimba Ose,

kubva kuna Mwari waIsraeri.

Chiprofita pamusoro peEdhomu

11 Chirevo pamusoro peDhuma:

Mumwe anodana kwandiri ari kuSeiri, achiti,

“Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?

Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?”

12 Nharirire inopindura ichiti,

“Mambakwedza achauya, asi nousikuwo.

Zvino kana uchida kubvunza, bvunza;

uye ugodzokazve.”

Chiprofita pamusoro peArabhia

13 Chirevo pamusoro peArabhia:

Imi ngoro dzavaDhedhani,

munodzika misasa mumatenhere eArabhia,

14 vigirai vane nyota mvura;

imi munogara muTema,

uyai nezvokudya zvavanotiza.

15 Vari kutiza munondo,

kubva kumunondo wavhomorwa,

nokuuta hwawemburwa,

uye nokupisa kwehondo.

16 Zvanzi naJehovha kwandiri: “Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera.

17 Varume vouta vachapunyuka, ivo mhare dzeKedhari vachava vashoma.” Jehovha, Mwari weIsraeri ataura.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *