Categories
Isaya

Isaya 60

Kubwinya kweZioni

1 “Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika,

uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.

2 Tarira, rima rakafukidza nyika

uye rima guru riri pamusoro pavanhu,

asi Jehovha anobuda pamusoro pako

uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako.

3 Ndudzi dzichauya kuchiedza chako,

uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako.

4 “Simudza meso ako utarise zvakakukomberedza:

vose vanoungana uye vanouya kwauri,

vanakomana vako vanobva kure,

uye vanasikana vako vanotakurwa pamaoko.

5 Ipapo uchatarisa ugopenya,

mwoyo wako uchakwata uye uchazara nomufaro;

upfumi huri pamusoro pamakungwa huchauyiswa kwauri,

pfuma yendudzi ichauya kwauri.

6 Mapoka engamera achazadza nyika yako,

mhuru dzengamera dzeMidhiani neEfa.

Uye vose vanobva kuShebha vachauya,

vakatakura goridhe nezvinonhuhwira

vachiparidza kurumbidzwa kwaJehovha.

7 Mapoka eKedhari achaunganidzirwa

kwauri makondobwe eNebhayoti achakushumira:

achagamuchirwa sezvipo paaritari yangu,

uye ndichashongedza temberi yangu yokukudzwa.

8 “Ndivanaani ava vanobhururuka samakore,

senjiva dzinoenda kumatendere adzo?

9 Zvirokwazvo zviwi zvinotarira kwandiri;

zvikepe zveTashishi zvinotungamira

zvichiuya navanakomana venyu vari kubva kure,

nesirivha yavo negoridhe,

kuzokudza Jehovha Mwari wako,

iye Mutsvene waIsraeri,

nokuti akakushongedza nokubwinya.

10 “Vatorwa vachavakazve masvingo ako,

uye madzimambo avo achakushandira.

Kunyange ndakakurova mukutsamwa kwangu,

munyasha dzangu ndichakunzwira tsitsi.

11 Masuo ako achagara akashama

haachazombozarirwi, masikati kana usiku

kuitira kuti vanhu vakuvigire upfumi hwendudzi,

madzimambo adzo achafambiswa ari mumudungwe akundwa.

12 Nokuti rudzi kana ushe husingakushumiri huchaparadzwa;

huchaparadzwa zvachose.

13 “Kubwinya kweRebhanoni kuchauya kwauri,

mipaini nemifiri nemisipuresi pamwe chete,

kuzoshongedza nzvimbo yetemberi yangu tsvene;

uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.

14 Vanakomana vavamanikidzi venyu

vachauya vachikotama pamberi penyu;

vose vanokuzvidzai vachapfugama patsoka dzenyu uye vachakutumidzai kuti Guta raJehovha,

Zioni roMutsvene waIsraeri.

15 “Kunyange wanga wasiyiwa uye uchivengwa,

pasina munhu anopfuura nemauri,

ndichakuita kuti ukudzwe nokusingaperi

uye uve mufaro wezvizvarwa zvinotevera.

16 Uchanwa mukaka wendudzi

uye ucharerwa pamazamu oumambo.

Ipapo uchaziva kuti ini, iyeni Jehovha, ndini Muponesi wako,

Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.

17 Ndichakuvigira goridhe pachinzvimbo chendarira,

nesirivha pachinzvimbo chesimbi.

Ndichakuvigira ndarira pachinzvimbo chamatanda,

nesimbi pachinzvimbo chamabwe.

Ndichaita rugare mubati wako

nekururama mutongi wako.

18 Kuita nechisimba hakuchazonzwikwa munyika yako,

kana dongo kana kuparadzwa mukati memiganhu yako,

asi uchatumidza masvingo ako zita

rokuti Ruponeso nemasuo ako kuti Rumbidzo.

19 Zuva harichazovi chiedza chako masikati,

uye kupenya kwomwedzi hakungavi pamusoro pako,

nokuti Jehovha ndiye achava chiedza chako chisingaperi,

uye Mwari wako achava kubwinya kwako.

20 Zuva rako harichazovirizve,

uye mwedzi wako hauchazoperizve;

Jehovha achava chiedza chako chisingaperi,

uye mazuva okuchema kwako achaguma.

21 Ipapo vanhu vako vose vachava vakarurama,

uye vachatora nyika kuti ive yavo nokusingaperi.

Ndivo mabukira andakadyara,

basa ramaoko angu,

kuti ndiratidze kubwinya kwangu.

22 Mudikisa wako achava chiuru,

mudiki achava rudzi rune simba.

Ndini Jehovha,

munguva yacho ndichazviita nokukurumidza.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *