Categories
Jobho

Jobho 10

1 “Ndinosema upenyu hwangu chaihwo,

naizvozvo ndicharega kunyarara pakunyunyuta kwangu

ndigotaura mukushungurudzika kwemwoyo wangu.

2 Ndichati kuna Mwari: Musandiwanira mhosva

asi mundiudze mhaka yangu nemi.

3 Ko, kundimanikidza kunokufadzai,

kuti muzvidze basa ramaoko enyu,

muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here?

4 Ko, imi muna meso enyama here?

Munoona sokuona kunoita munhu anofa here?

5 Ko, mazuva enyu akaita seavaya vanofa,

kana makore enyu samakore omunhu,

6 kuti muongorore mhosva yangu

uye mutsvage chivi changu,

7 kunyange muchiziva kuti handina mhosva,

uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here?

8 “Maoko enyu akandiumba uye akandigadzira.

Zvino modzoka kuzondiparadza here?

9 Rangarirai kuti makandiumba sevhu.

Zvino mondidzoserazve kuvhu here?

10 Hamuna kundidurura somukaka here

uye mukandigwambisa sechizi,

11 mukandifukidza neganda nenyama

mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here?

12 Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni,

uye nehanya yenyu mukachengeta mweya wangu.

13 “Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu,

uye ndinoziva kuti izvi zvaiva mupfungwa dzenyu.

14 Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa,

uye hamaizotendera kudarika kwangu kuti kurege kurangwa.

15 Kana ndine mhosva, ndine nhamo!

Kunyange dai ndisina mhosva,

handingasimudzi musoro wangu,

nokuti ndizere nenyadzi

uye ndakanyura mukutambudzika kwangu.

16 Kana ndikasimudza musoro wangu, imi munondironda sezvinoita shumba,

uyezve munoratidza simba renyu rinotyisa pamusoro pangu.

17 Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosva

uye munowedzera hasha dzenyu pamusoro pangu,

hondo dzenyu dzinondirwisa, mapoka namapoka.

18 “Ko, zvino makandibudisirei mudumbu?

Ndinoshuva kuti dai ndakafa hangu pasati pava neziso randiona.

19 Dai chete ndakanga ndisina kumbovapo hangu,

kana kuti ndakatakurwa ndichiendeswa kubwiro ndichangobva mudumbu ramai vangu!

20 Ko, mazuva angu haasi mashoma ava kutopera here?

Ibvai kwandiri kuti ndimbofara hangu kwakanguva,

21 ndisati ndaenda kusingadzokwi,

kunyika yerima nomumvuri wakadzama,

22 kunyika yerima guru,

yomumvuri wakadzama nenyonganyonga,

iko kunoti kunyange chiedza chakangofanana nerima.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *