Categories
Jobho

Jobho 32

1 Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake.

2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari.

3 Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva.

4 Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari.

5 Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.

6 Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati:

“Ndiri muduku pamakore,

uye imi muri vakuru;

ndokusaka ndanga ndichitya,

ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.

7 Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura;

makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’

8 Asi ndiwo mweya uri mumunhu,

kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.

9 Havazi vakuru bedzi vakachenjera,

kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.

10 “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei;

neniwo ndichakuudzai zvandinoziva.

11 Ndakambomirira pamaitaura,

ndakateerera pfungwa dzenyu;

pamakanga muchitsvaka mashoko,

12 ndakanyatsokuteererai.

Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho;

hakuna pamuri akapindura mashoko ake zvinogutsa.

13 Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri;

regai Mwari amukonese, kwete munhu.’

14 Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri,

uye handingamupinduri namashoko enyu.

15 “Vashamiswa uye havachina chokureva;

vapererwa namashoko.

16 Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara,

zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?

17 Neniwo ndichava nechokutaura;

neniwo ndichareva zvandinoziva.

18 Nokuti ndizere namashoko,

uye mweya uri mandiri unondimanikidza;

19 mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa,

sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.

20 Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe;

ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.

21 Handina munhu wandichatsaura,

uye handingabati kumeso munhu upi zvake;

22 nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso,

Muiti wangu aizokurumidza kunditora.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *