Categories
Jona

Jona 2

Munyengetero waJona

1 Kubva mudumbu rehove Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake.

2 Akati:

“Mudambudziko rangu ndakadana kuna Jehovha,

iye akandipindura.

Kubva mukati meguva ndakadanidzira kuti ndibatsirwe,

uye imi makanzwa kuchema kwangu.

3 Makandikandira makadzika,

mumwoyo chaimo megungwa,

uye mvura zhinji ikandikomberedza;

mafungu enyu ose namapopoma enyu ose

zvakapfuura napamusoro pangu.

4 Ndakati, ‘Ndaraswa kubva

pamberi penyu,

asi ndichatarirazve ndakaringa

kutemberi yenyu tsvene.’

5 Mvura zhinji dzandikomberedza dzikandityisa;

pakadzikadzika pakandikomberedza;

sora regungwa rakamonera musoro wangu.

6 Kumidzi yamakomo ndakanyura;

nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi.

Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba,

imi Jehovha Mwari wangu.

7 “Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza,

ndakakurangarirai, imi Jehovha,

uye munyengetero wangu wakauya kwamuri,

kutemberi yenyu tsvene.

8 “Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo,

vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo.

9 Asi ini, norwiyo rwokuvonga,

ndichabayira kwamuri.

Zvandakapika ndichazvizadzisa.

Ruponeso runobva kuna Jehovha.”

10 Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *