Categories
Kuungudza kwaJeremia

Kuungudza kwaJeremia 1

1 Ko, muguta zvamusisina vanhu,

iro rakanga rizere navanhu!

Zvarangova sechirikadzi,

iro rakanga riri guru pakati pendudzi!

Iro rakanga riri mambokadzi pakati penyika,

zvino rava nhapwa.

2 Rinochema zvikuru usiku,

misodzi iri pamatama aro.

Pakati pavadiwa varo vose

hakuna anorivaraidza.

Shamwari dzaro dzose dzarimukira;

dzava vavengi varo.

3 Shure kwokutambudzika nokushanda zvakaomarara,

Judha akaenda kuutapwa.

Anogara pakati pendudzi;

haawani nzvimbo yokuzorora.

Vose vaimudzinganisa vakamubata

ari pakati pokutambudzika kwake.

4 Nzira dzinoenda kuZioni dzinochema,

nokuti hakuna anouya kumitambo yaro yakatarwa.

Masuo aro ose haasisina vanhu,

vaprista varo vanogomera,

varandakadzi varo vanochema,

uye iro riri pakurwadziwa kukuru.

5 Vavengi varo ndivo vava vatongi varo;

vavengi varo vagere zvakanaka,

Jehovha akarivigira kutambudzika

nokuda kwezvivi zvaro zvizhinji.

Vana varo vakaenda kuutapwa,

vava nhapwa pamberi pavavengi.

6 Kuyevedza kwose kwabva

paMwanasikana weZioni.

Machinda aro aita senondo

dzashayiwa mafuro.

Mukushayiwa simba vakatiza

pamberi peanovadzinganisa.

7 Mumazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro,

Jerusarema rinorangarira pfuma yose

yakanga iri yaro pamazuva akare.

Pakawira vanhu varo mumaoko omuvengi,

rakashaya anoribatsira.

Vavengi varo vakaritarisa,

vakariseka pakuparadzwa kwaro.

8 Jerusarema rakatadza zvikuru kwazvo,

naizvozvo rasvibiswa.

Vose vairikudza vorizvidza,

nokuti vakaona kushama kwaro;

iro pacharo rinogomera,

richidzokera shure.

9 Tsvina yaro yakanamatira panguo dzaro;

harina kurangarira ramangwana raro.

Kuwa kwaro kwakashamisa;

hakuna akarinyaradza.

“Haiwa Jehovha, tarirai kurwadziwa kwangu,

nokuti muvengi akunda.”

10 Muvengi akatora

pfuma yaro yose;

rakaona ndudzi dzechihedheni

dzichipinda panzvimbo yaro tsvene,

avo vamakanga madzivisa

kupinda paungano yenyu.

11 Vanhu varo vose vanogomera

pavanotsvaka chingwa;

vanotsinhanisa pfuma yavo nezvokudya

kuti vazviraramise.

“Tarirai, imi Jehovha, uye murangarire,

nokuti ndava munhu akazvidzwa.”

12 “Hamuna hanya here, imi mose munopfuura?

Tarirai pose pose muone.

Pano kutambudzika sokutambudzika kwangu here,

kwakaiswa pamusoro pangu,

kwakauyiswa naJehovha pamusoro pangu

pazuva rokutsamwa kwake kunotyisa?

13 “Akatuma moto kubva kumusoro-soro,

akautumira mumapfupa angu.

Akateya makumbo angu nomumbure

uye akandidzosera shure.

Akandisiya ndisina chinhu,

ndikapera simba zuva rose.

14 “Zvivi zvangu zvasungwa zvikaitwa joko;

namaoko ake zvakarukirwa pamwe chete,

zvauya pamutsipa wangu

uye Ishe apedza simba rangu.

Akandiisa mumaoko avanhu

vandisingagoni kukunda.

15 “Ishe akaramba

mhare dzose dziri pakati pangu;

akakokera hondo kuzondirwisa

kuzopwanya majaya angu.

Ishe akatsika-tsika Mhandara Mwanasikana waJudha

muchisviniro chake chewaini.

16 “Ndokusaka ndichichema

uye maziso angu achierera misodzi.

Hapana ari pedyo kuti andinyaradze,

hakuna anovandudza mweya wangu.

Vana vangu vari kutambudzika

nokuti muvengi akunda.”

17 Zioni rinotambanudza maoko aro,

asi hakuna munhu anorinyaradza.

Jehovha akaisa chirevo pamusoro paJakobho,

kuti vavakidzani vake vave vavengi vake;

Jerusarema rava

chinhu chisina kunatswa pakati pavo.

18 “Jehovha akarurama,

asi ini ndakamukira murayiro wake.

Inzwai, imi vanhu mose;

onai kutambudzika kwangu.

Majaya angu navarandakadzi vangu

vakaenda kuutapwa.

19 “Ndakadana kushamwari dzangu

asi vakandipandukira.

Vaprista vangu navakuru vangu

vakafira muguta,

pavakanga vachitsvaka zvokudya

kuti vazviraramise.

20 “Tarirai, imi Jehovha kutambudzika kwangu!

Ndiri kurwadziwa mukati mangu,

uye ndakakanganisika mumwoyo mangu,

nokuti ndakakumukirai zvikuru.

Kunze, munondo unondiurayira hama;

mukati, munongova norufu.

21 “Vanhu vakanzwa kugomera kwangu,

asi hakuna anondinyaradza.

Vavengi vangu vose vakanzwa kutambura kwangu;

vanofara nezvamakaita.

Dai mauyisa henyu zuva ramakazivisa

kuti vagofanana nemi.

22 “Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu;

muvaitire

sezvamakaita kwandiri

nokuda kwezvivi zvangu zvose.

Kugomera kwangu kwawanda,

uye mwoyo wangu wapera simba.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *