Categories
Kuungudza kwaJeremia

Kuungudza kwaJeremia 3

1 Ndini munhu akaona kutambudzika

neshamhu yehasha dzake.

2 Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe

murima panzvimbo yomuchiedza;

3 zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise

nguva nenguva, zuva rose.

4 Akasakadza ganda rangu nenyama yangu

uye akavhuna mapfupa angu.

5 Akandikomba akandipoteredza

neshungu nokurwadziswa.

6 Akandigarisa murima

savanhu vakafa kare kare.

7 Akandipfigira kuti ndisapunyuka,

akandiremedza nengetani.

8 Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe,

anopfigira munyengetero wangu kunze.

9 Akadzivira nzira yangu namatombo;

akaminamisa nzira dzangu.

10 Sebere rakavandira,

seshumba yakavanda,

11 akandikwekweredza kubva munzira uye akandibvarura-bvarura

akandisiya ndisina mubatsiri.

12 Akawembura uta hwake

akandiita chinhu chinonangwa nemiseve yake.

13 Akabaya mwoyo wangu

nemiseve yaibva mugoba rake.

14 Ndakava chiseko chavanhu vangu vose;

vakandihomera nenziyo pazuva rose.

15 Akandigutsa nemiriwo inovava,

uye akandinwisa nduru.

16 Akagura mazino angu nerukangarabwe;

akanditsokodzera muguruva.

17 Ndakatorerwa rugare;

ndakakanganwa kuti kubudirira chii.

18 Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda,

uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”

19 Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu,

kurwadziwa uye nenduru.

20 Ndinozvirangarira kwazvo,

uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.

21 Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa

uye naizvozvo ndine tariro:

22 Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa,

nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.

23 Itsva mangwanani oga oga,

kutendeka kwenyu kukuru.

24 Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu;

naizvozvo ndichamumirira.”

25 Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye,

kumunhu anomutsvaka;

26 chinhu chakanaka kumirira

ruponeso rwaJehovha unyerere.

27 Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko

achiri mudiki.

28 Ngaagare ari oga anyerere,

nokuti Jehovha ndiye akariturika paari.

29 Ngaavige chiso chake muguruva,

zvimwe tariro ichiripo.

30 Ngaape dama rake kumunhu anomurova,

uye ngaazadzwe nenyadzi.

31 Nokuti vanhu havangaraswi

naIshe nokusingaperi.

32 Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi,

rukuru sei rudo rwake rusingaperi.

33 Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa

kana kusuwa kuvana vavanhu.

34 Kutsikira pasi petsoka

vasungwa vose venyika,

35 kurambira munhu kodzero yake

pamberi peWokumusoro-soro,

36 kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake

ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?

37 Ndiani angataura akaita kuti zviitike

kana Ishe asina kuzvirayira?

38 Ko, hazvibvi mumuromo weWokumusoro-soro here

zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?

39 Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei

kana arangwa nokuda kwezvivi zvake?

40 Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei,

uyewo ngatidzokerei kuna Jehovha.

41 Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu

kuna Mwari ari kudenga, tigoti:

42 “Takatadza uye takakumukirai

uye imi hamuna kukanganwira.

43 “Makazvifukidza nokutsamwa mukatidzingirira;

makauraya musinganzwiri ngoni.

44 Makazvifukidza negore

kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.

45 Makatiita marara netsvina

pakati pendudzi.

46 “Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo

kwazvo kuti vatituke.

47 Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza,

kuparara nokuparadzwa kukuru.”

48 Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu,

nokuti vanhu vangu vaparadzwa.

49 Meso angu acharamba achiyerera misodzi,

pasina zvinoyamura,

50 kusvikira Jehovha aringira pasi

kubva kudenga akaona.

51 Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu,

nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.

52 Avo vakanga vari vavengi vangu ini pasina chikonzero

vakandivhima seshiri.

53 Vakaedza kundiuraya mugomba

uye vakapotsera matombo kwandiri;

54 mvura zhinji yakafukidza musoro wangu,

uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa.

55 Ndakadana zita renyu, imi Jehovha,

ndiri mugomba rakadzika.

56 Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu

pandinochemera rubatsiro.”

57 Makaswedera pedyo pandakakudanai,

mukati, “Usatya.”

58 Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu;

makadzikinura upenyu hwangu.

59 Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa.

Nditongerei mhaka yangu!

60 Makaona udzamu hwokutsva kwavo,

idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu.

61 Haiwa Jehovha, makanzwa kutuka kwavo,

idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu,

62 dzinozevezerwa nokungurumwa navavengi vangu

pamusoro pangu zuva rose.

63 Tarirai kwavari! Vakagara kana kumira,

vanondituka nenziyo dzavo.

64 Varipidzirei zvakavafanira, imi Jehovha,

zvakaitwa namaoko avo.

65 Isai chidziro pamwoyo yavo,

uye kutuka kwenyu ngakuve pamusoro pavo!

66 Vadzinganisei makatsamwa muvaparadze,

vabve pasi pamatenga aJehovha.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *