Categories
Mapisarema

Mapisarema 12

Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1 Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina;

vakatendeka vapera pakati pavanhu.

2 Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema;

miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera.

3 Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso,

norurimi rumwe norumwe runozvikudza

4 ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu;

miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?”

5 “Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba

nokugomera kwavarombo,

ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”

6 Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa,

sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu,

yakanatswa kanomwe.

7 Imi Jehovha, muchatichengeta murugare

uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.

8 Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka

kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *