Categories
Mapisarema

Mapisarema 128

Rwiyo rworwendo.

1 Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha,

vanofamba munzira dzake.

2 Uchadya chibereko chokushanda kwako;

maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.

3 Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka,

pakati peimba yako;

vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi,

vakakomberedza tafura yako.

4 Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa,

anotya Jehovha.

5 Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni,

mazuva ose oupenyu hwenyu;

muone henyu kubudirira kweJerusarema,

6 uye murarame kuti muone vana vavana venyu.

Rugare ngaruve pana Israeri.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *