Categories
Mapisarema

Mapisarema 13

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here?

Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu?

2 Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko,

uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe?

Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko?

3 Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu.

Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara;

4 muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,”

uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa.

5 Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi;

mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu.

6 Ndichaimbira Jehovha,

nokuti akandinakira.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *