Categories
Mapisarema

Mapisarema 130

Rwiyo rworwendo.

1 Ndinodanidzira kwamuri Jehovha,

ndiri pakadzika;

2 haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu.

Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.

3 Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvomunhu,

haiwa Jehovha, ndianiko aimira?

4 Asi kwamuri kune kukanganwira;

naizvozvo imi munotyiwa.

5 Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira,

uye tariro yangu iri mushoko rake.

6 Mweya wangu unorindira Ishe

kupfuura varindi

vanomirira rungwanani.

7 Haiwa Israeri, isa tariro yako muna Jehovha,

nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi

uye kwaari kune dzikinuro izere.

8 Iye pachake achadzikinura Israeri

kubva pazvivi zvavo zvose.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *