Categories
Mapisarema

Mapisarema 133

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1 Zvakanaka uye zvinofadza sei

kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!

2 Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro,

anoerera kundebvu,

anoerera kundebvu dzaAroni,

anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake.

3 Zvinoita sokuti dova reHerimoni

riri kuwira pamusoro peGomo reZioni.

Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha,

ihwo upenyu husingaperi-peri.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *