Categories
Mapisarema

Mapisarema 143

Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu,

ndinzwirei ngoni pakuchema kwangu;

uyai mundisunungure nokutendeka

uye nokururama kwenyu.

2 Musauyisa muranda wenyu mukutongwa,

nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.

3 Muvengi anondidzinganisa,

anondirovera pasi;

anondiita kuti ndigare murima

savaya vakafa kare.

4 Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu;

mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu.

5 Ndinorangarira mazuva akare kare;

ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose,

uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.

6 Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri;

mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma.Sera

7 Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura;

mweya wangu woziya.

Regai kundivanzira chiso chenyu

nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba.

8 Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi,

nokuti ndinovimba nemi.

Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo,

nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.

9 Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha,

nokuti ndinozvivanza mamuri.

10 Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu,

nokuti muri Mwari wangu;

mweya wenyu wakanaka

ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.

11 Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu;

ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu.

12 Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi;

paradzai vavengi vangu vose,

nokuti ndiri muranda wenyu.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *