Categories
Mapisarema

Mapisarema 146

1 Rumbidza Jehovha.

Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu.

2 Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu;

ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.

3 Regai kuvimba namachinda,

navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa.

4 Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu;

pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina.

5 Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho,

tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake,

6 Muiti wedenga nenyika,

gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha,

anogara akatendeka nokusingaperi.

7 Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa,

uye anopa zvokudya vane nzara.

Jehovha anosunungura vasungwa.

8 Jehovha anosvinudza mapofu,

Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi,

Jehovha anoda vakarurama.

9 Jehovha anorinda vatorwa

uye anoriritira nherera nechirikadzi,

asi anokonesa nzira dzavakaipa.

10 Jehovha anotonga nokusingaperi,

Mwari wako, iwe Zioni, kuzvizvarwa zvose.

Rumbidza Jehovha.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *