Categories
Mapisarema

Mapisarema 16

Mikitami raDhavhidhi.

1 Ndichengetedzei, imi Mwari,

nokuti ndinovanda mamuri.

2 Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu;

kunze kwenyu handina chinhu chakanaka.”

3 Kana vari vatsvene vari panyika,

ndivo vakaisvonaka vandinofarira chose.

4 Kuchema kuchawedzerwa,

kwaavo vanomhanyira vamwe vamwari.

Handichazodiri zvipiriso zvavo zveropa

zvinodururwa kana kuisa mazita avo pamiromo yangu.

5 Jehovha, makandigovera mugove wangu nomukombe wangu;

mukaita kuti mugove wangu uchengetedzeke.

6 Ndakayererwa miganhu panzvimbo yakanaka;

zvirokwazvo ndine nhaka inofadza.

7 Ndicharumbidza Jehovha, anondipa zano;

kunyange usiku mwoyo wangu unondirayira.

8 Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose.

Nokuti ari kurudyi rwangu,

handingatongozungunuswi.

9 Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runopururudza;

muviri wanguwo uchazorora zvakanaka,

10 nokuti imi hamuzondisiyi muguva,

kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora.

11 Makandizivisa nzira youpenyu;

muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu,

nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *