Categories
Mapisarema

Mapisarema 26

Pisarema raDhavhidhi.

1 Nditongerei, imi Jehovha,

nokuti ndakararama upenyu

husina chahungapomerwa;

ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki.

2 Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei,

nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu;

3 nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose,

uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu.

4 Handigari navanhu vanonyengera,

kana kufambidzana navanyengeri;

5 ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa,

uye ndinoramba kugara navakaipa.

6 Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka,

uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha,

7 ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru,

uye ndichireva zvamabasa enyu ose anoshamisa.

8 Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha,

nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.

9 Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi,

noupenyu hwangu navanoteura ropa,

10 vana maoko akabata zvakaipa,

vazere nefufuro mumaoko avo orudyi.

11 Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa;

ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni.

12 Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere;

ndicharumbidza Jehovha paungano huru.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *