Categories
Mapisarema

Mapisarema 30

Pisarema. Rwiyo rwokukumikidza temberi. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichakukudzai imi Jehovha,

nokuti makandisimudza kubva pakadzika,

uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu.

2 Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri

uye mukandiporesa.

3 Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva;

mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba.

4 Imbirai Jehovha, imi vatsvene vake;

rumbidzai zita rake dzvene.

5 Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku,

asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose;

kuchema kungangovapo usiku.

Asi mufaro unouya mangwanani.

6 Pandakanzwa kugadzikana, ndakati,

“Handingatongozungunuswi.”

7 Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi,

makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba;

asi pamakavanza chiso chenyu,

ini ndakavhunduka.

8 Ndakadana kwamuri, imi Jehovha;

ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti,

9 “Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu,

napakupinda kwangu mugomba?

Ko, guruva richakurumbidzai here?

Richaparidza kutendeka kwenyu here?

10 Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni;

imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.”

11 Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba;

makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro,

12 kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara.

Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *