Categories
Mapisarema

Mapisarema 32

Pisarema raDhavhidhi neMasikiri.

1 Akaropafadzwa uyo

akakanganwirwa kudarika kwake,

akafukidzirwa zvivi zvake.

2 Akaropafadzwa munhu

asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha,

uye asina kunyengera mumwoyo make.

3 Pandakanyarara,

mapfupa angu akarukutika nokuda

kwokugomera kwangu zuva rose.

4 Nokuti masikati nousiku

ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu;

simba rangu rakasvetwa

sezvinoita kupisa kwechirimo.Sera

5 Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri

uye handina kuvanza chakaipa changu.

Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,”

uye makandiregerera mhosva yechivi changu.Sera

6 Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri

muchiri kuwanikwa;

zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira,

haingasviki kwavari.

7 Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda;

muchandidzivirira panhamo

uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko.Sera

8 Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo;

ndichakupa zano uye ndichakurinda.

9 Rega kuva sebhiza kana senyurusi,

zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa

nomukaro kana namatomu,

kana kuti hazvingauyi kwauri.

10 Wakaipa ana matambudziko mazhinji,

asi rudo rusingaperi rwaJehovha

runopoteredza munhu anovimba naye.

11 Farai muna Jehovha uye mufarisise, imi vakarurama;

imbai, imi mose makarurama pamwoyo!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *