Categories
Mapisarema

Mapisarema 40

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu;

iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu.

2 Akandibudisa mugomba rakadzika,

kunze kwamatope netsvina;

akamisa tsoka dzangu padombo

akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.

3 Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu,

rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu.

Vazhinji vachaona, uye vachatya

uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha.

4 Akaropafadzwa munhu

akaita Jehovha ruvimbo rwake,

asingatariri kuna vanozvikudza,

kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema.

5 Haiwa Jehovha, Mwari wangu,

zvizhinji zvishamiso zvamakaita.

Zvinhu zvamakatitongera hakuna

angazvirondedzera kwamuri;

dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo,

zvaizowandisa kuzvizivisa.

6 Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo,

asi nzeve dzangu makadziboora;

zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso

zvezvivi hamuna kuzvireva.

7 Ipapo ndakati, “Ndiri pano hangu,

ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu.

8 Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu;

murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.”

9 Ndinoparidza kururama paungano huru;

handidziviri miromo yangu,

sokuziva kwenyu, imi Jehovha.

10 Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu;

ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu.

Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu

paungano huru.

11 Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha;

rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose.

12 Nokuti matambudziko asingaverengeki akandikomberedza;

zvivi zvangu zvakandibata, uye handigoni kuona.

Zvakawanda kupfuura bvudzi romumusoro mangu,

uye mwoyo wangu waneta mukati mangu.

13 Haiwa Jehovha, kundiponesa ngakukufadzei;

haiwa Jehovha, kurumidzai kundibatsira.

14 Vose vanotsvaka kutora upenyu hwangu

ngavanyadziswe uye vanyonganiswe;

vose vanoda kuparadzwa kwangu

ngavadzoserwe shure vanyadziswe.

15 Avo vose vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!”

ngavavhundutswe nokuda kwenyadzi dzavo.

16 Asi vose vanokutsvakai

ngavafare uye vafarisise mamuri;

avo vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti,

“Jehovha ngaakudzwe!”

17 Asi ndiri murombo nomushayiwi;

dai Ishe vandifungawo.

Ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu;

haiwa Mwari wangu, musanonoka henyu.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *