Categories
Mapisarema

Mapisarema 47

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema.

1 Uchirai maoko, imi vanhu vose;

pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.

2 Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei,

iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose!

3 Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu,

marudzi pasi petsoka dzedu.

4 Akatitsaurira nhaka yedu,

iyo pfuma yaJakobho, waakada.Sera

5 Mwari akwidza kumusoro pakati pokudanidzira kwomufaro,

Jehovha pakati pokurira kwehwamanda.

6 Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.

Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.

7 Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose;

muimbirei pisarema rokurumbidza.

8 Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose;

Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene.

9 Makurukota amarudzi aungana

savanhu vaMwari waAbhurahama,

nokuti madzimambo enyika ndeaMwari;

iye anokudzwa zvikuru kwazvo.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *