Categories
Mapisarema

Mapisarema 52

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. Dhoegi muEdhomu paakanga aenda kuna Sauro akamuudza kuti: “Dhavhidhi aenda kumba kwaAhimereki.”

1 Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba?

Unozvikudzirei zuva rose,

iyewe unonyadzisa pamberi paMwari?

2 Rurimi rwako runofarira zvokuparadza;

rwakaita sechisvo chakarodzwa,

iyewe unogara uchingonyengera.

3 Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka,

kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi.Sera

4 Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza,

iwe rurimi runonyengera!

5 Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi:

Achakubvuta agokubvisa mutende rako;

achakudzura kubva munyika yavapenyu.Sera

6 Vakarurama vachazviona uye vachatya;

vachamuseka vachiti,

7 “Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake,

asi aivimba nepfuma yake zhinji,

uye aisimba nokuparadza vamwe!”

8 Asi ini ndakaita somuti

womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari;

ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari,

nokusingaperi-peri.

9 Ndichakurumbidzai, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita;

ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka.

Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *