Categories
Mapisarema

Mapisarema 53

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo eMaharati. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi.

1 Benzi rinoti mumwoyo maro,

“Mwari hakuna.”

Vakaora, uye nzira dzavo dzakaipa;

hakuna anoita zvakanaka.

2 Mwari anotarira ari kudenga,

pavanakomana vavanhu,

kuti aone kana aripo anonzwisisa,

kana aripo anotsvaka Mwari.

3 Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure,

vakava vakaora pamwe chete;

hakuna anoita zvakanaka,

kunyange nomumwe.

4 Ko, vaiti vezvakaipa havangadzidzi here,

vaya vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa,

uye vasingadani kuna Mwari?

5 Havo, vakazadzwa nokutya,

ipo pasina chavangatya.

Mwari akaparadzira mapfupa avanhu vaikurwisa;

makavanyadzisa, nokuti Mwari akavazvidza.

6 Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwabuda kubva muZioni;

Mwari paachadzosera nhaka yavanhu vake;

Jakobho ngaafarisise uye Israeri ngaafarisise!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *