Categories
Mapisarema

Mapisarema 64

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndinzweiwo, imi Mwari, pandinotaura chichemo changu;

dzivirirai upenyu hwangu pakutyisidzira kwavavengi.

2 Ndivanzei pakurangana kwavakaipa,

ndibve pazhowezhowe yeungano yavaiti vezvakaipa.

3 Vanorodza ndimi dzavo seminondo,

uye vanonanga namashoko avo semiseve inouraya.

4 Vanopfura vari pakavanda munhu asina mhosva;

vanomupfura pakarepo, vasingatyi.

5 Vanokurudzira mumwe nomumwe wavo pakufunga zvakaipa,

vanotaura pamusoro pokuteya misungo yavo, uye vanoti,

“Ndianiko achaiona?”

6 Vanorangana kusaruramisira vachiti,

“Tafunga zano rakakwana!”

Zvirokwazvo mwoyo nomurangariro womunhu zvinonyengera.

7 Asi Mwari achavapfura nemiseve;

pakarepo vachawira pasi.

8 Achaita kuti ndimi dzavo dzivashandukire,

uye achavaisa pakuparadzwa;

vose vanovaona vachavadzungudzira misoro vachivaseka.

9 Marudzi ose avanhu achatya;

achaparidza mabasa aMwari,

uye achafungisisa zvaakaita.

10 Vakarurama ngavafare muna Jehovha

uye vavande maari;

vose vakarurama mumwoyo ngavamurumbidze!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *