Categories
Mapisarema

Mapisarema 82

Pisarema raAsafi.

1 Mwari anogara paungano huru;

anotonga pakati pa“vamwari” achiti,

2 “Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama

uye muchisanangura vanhu vakaipa?Sera

3 Tongai mhaka dzavasina simba nenherera;

chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.

4 Nunurai vasina simba navanoshayiwa;

varwirei paruoko rwowakaipa.

5 “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa.

Vanongofamba-famba murima;

nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.

6 “Ndakati, ‘Muri vamwari;

imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’

7 Asi muchafa savanhuwo zvavo;

muchawa savatongi vose.”

8 Simukai, imi Mwari, mutonge nyika,

nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *