Categories
Mapisarema

Mapisarema 84

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo egititi. Pisarema ravanakomana vaKora.

1 Ugaro hwenyu hwakanaka sei,

imi Jehovha Wamasimba Ose!

2 Mweya wangu unopanga,

uye unotoziya, nokuda kwezvivanze zvaJehovha;

mwoyo wangu nenyama yangu

zvinodana kuna Mwari mupenyu.

3 Kunyange shiri diki yakazviwanira imba,

nenyenganyenga yakazviwanirawo

dendere kwaingachochonyera vana vayo,

iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu,

imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu.

4 Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu;

vanogara vachikurumbidzai.Sera

5 Vakaropafadzwa avo vane simba ravo mamuri,

vakaisa mwoyo yavo parwendo rweZioni.

6 Pavanopfuura nomuMupata weBhaka,

vanouita nzvimbo yamatsime;

mvura yomuzhizha inouzadzawo namadziva.

7 Vanowedzera simba pasimba,

kusvikira mumwe nomumwe wavo amira pamberi paMwari muZioni.

8 Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose;

rerekerai nzeve yenyu kwandiri, imi Mwari waJakobho.Sera

9 Haiwa Mwari, tariraiwo nhoo yedu;

ringirai nenyasha dzenyu pamuzodziwa wenyu.

10 Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete,

kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe;

ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari

wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.

11 Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo;

Jehovha anopa nyasha nokukudzwa;

hapana chinhu chakanaka chaanganyima

avo vanofamba zvakarurama.

12 Haiwa Jehovha Wamasimba Ose,

akaropafadzwa munhu anovimba nemi.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *