Categories
Mapisarema

Mapisarema 92

Pisarema. Rwiyo rweSabata.

1 Zvakanaka kurumbidza Jehovha

nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,

2 kuparidza rudo rwenyu mangwanani

nokutendeka kwenyu usiku,

3 nechiridzwa chine hungiso

gumi namaririro akanaka embira.

4 Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha;

ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.

5 Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko,

ndangariro dzenyu dzakadzika sei!

6 Munhu asina njere haazivi,

mapenzi haanzwisisi,

7 kuti kunyange vakaipa vachimera souswa,

uye vaiti vezvakaipa vose vachikura,

vachaparadzwa nokusingaperi.

8 Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi.

9 Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha,

zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa;

vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.

10 Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati;

mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu.

11 Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu;

nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa.

12 Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe,

vachakura somusidhari weRebhanoni;

13 wakadyarwa muimba yaJehovha,

vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu.

14 Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo,

vachagara vari vanyoro uye vari vatsva.

15 Vachaparidza kuti, “Jehovha akarurama;

ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *