Categories
Mika

Mika 5

Mutongi akavimbiswa kubva kuBheterehema

1 Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto,

nokuti takombwa nomuvengi.

Vacharova mutongi waIsraeri

netsvimbo padama.

2 “Asi iwe, Bheterehema Efurata,

kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha,

kwauri kuchandibudira mumwe

achava mutongi pamusoro peIsraeri,

mavambo ake ndeakare kare,

kubva pamazuva akare kare.”

3 Naizvozvo Israeri achasiyiwa

kusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvara

uye hama dzake dzose

dzadzoka kuzobatana navaIsraeri.

4 Achamira agofudza boka rake

musimba raJehovha,

muukuru hwezita raJehovha Mwari wake.

Uye vachagara norugare,

nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.

5 Uye iye achava rugare rwavo.

Kudzikinurwa noKuparadzwa

MuAsiria paacharwisa nyika yedu

agofamba achipfuura nomunhare dzedu,

tichamumutsira vafudzi vanomwe

kuti vamurwise kunyange vatungamiri vasere vavanhu.

6 Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo,

nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa.

Achatirwira kubva kumuAsiria

paachapinda munyika yedu

nokupinda pamiganhu yedu.

7 Vakasara vaJakobho vachava

pakati pamarudzi akawanda,

sedova rinobva kuna Jehovha,

sokunaya kwemvura pauswa,

zvisingamiriri munhu

kana kugaririra vanhu.

8 Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi,

pakati poruzhinji rwamarudzi,

seshumba pakati pezvikara zvesango,

seshumba duku pakati pamapoka amakwai,

inotsika uye inobvambura ichienda,

pasina anogona kununura.

9 Ruoko rwenyu ruchasimudzwa mukukunda

uye vadzivisi venyu vose vachaparadzwa.

10 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu

uye ndichapwanya ngoro dzenyu.

11 Ndichaparadza maguta enyika yenyu

uye ndichaputsa nhare dzenyu dzose.

12 Ndichaparadza uroyi hwako

uye hauchazovizve navavuki.

13 Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu

zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu;

hamuchazokotamiri

kubasa ramaoko enyu.

14 Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera

uye ndichaparadza maguta enyu.

15 Ndichatsiva nokutsamwa nehasha

kundudzi dzisina kunditeerera.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *