Categories
Zekaria

Zekaria 10

Jehovha achachengeta Judha

1 Kumbirai kuna Jehovha mvura yomunakamwe;

Jehovha ndiye anogadzira makore edutu.

Anonayisa mvura kuvanhu,

uye anopa zvirimwa zveminda kuno mumwe nomumwe.

2 Zvifananidzo zvinotaura zvounyengeri,

vavuki vanoona zviratidzo zvenhema;

vanotaura zviroto zvenhema,

vanopa varaidzo pasina.

Nokudaro vanhu vanodzungaira

samakwai anomanikidzwa nokuda kwokushayiwa mufudzi.

3 “Kutsamwa kwangu kunomukira vafudzi,

uye ndicharova vatungamiri,

nokuti Jehovha Wamasimba Ose achava nehanya

namakwai ake, imba yaJudha,

uye achavaita sebhiza rinodadisa pakurwa.

4 Muna Judha muchabva ibwe rapakona,

kubva maari mbambo yetende,

kubva maari uta hwehondo,

kubva maari vatungamiri vose.

5 Pamwe chete vachava savarume voumhare

vanotsika migwagwa ina matope pakurwa.

Nokuti Jehovha anavo,

vacharwa vachakunda vatasvi vamabhiza.

6 “Ndichasimbisa imba yaJudha

uye ndichaponesa imba yaJosefa.

Ndichavadzosa

nokuti ndinovanzwira tsitsi.

Vachava savanhu

vandakanga ndisina kuramba,

nokuti ndini Jehovha Mwari wavo

uye ndichavapindura.

7 VaEfuremu vachava semhare,

uye mwoyo yavo ichafara sevakabatwa newaini.

Vana vavo vachazviona uye vachapembera;

Mwoyo yavo ichafara muna Jehovha.

8 Ndichaninira kwavari

ndigovaunganidza.

Zvirokwazvo ndichavadzikinura,

vachava vakawanda sakare.

9 Kunyange ndikavaparadzira pakati pamarudzi,

kunyange zvakadaro vachandirangarira vari kunyika dziri kure.

Ivo navana vavo vachararama,

uye vachadzoka.

10 Ndichavauyisa kubva kuIjipiti

uye ndichavaunganidza kubva kuAsiria.

Ndichavauyisa kuGireadhi nokuRebhanoni,

uye hakungazovi nenzvimbo yavanokwana.

11 Vachapfuura napagungwa rokutambudzika;

mafungu egungwa achaderedzwa

uye pakadzika pose muna Nairi pachapwa.

Kuzvikudza kweAsiria kuchaparadzwa

uye tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa.

12 Ndichavasimbisa muna Jehovha

uye muzita rake vachafamba,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *