Categories
Zvirevo

Zvirevo 2

Kunaka kwoUchenjeri

1 Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu,

ukachengeta mirayiro yangu mauri,

2 ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri

uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa,

3 uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere

uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa,

4 uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha

nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa,

5 ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha

uye uchawana ruzivo rwaMwari.

6 Nokuti Jehovha anopa uchenjeri,

uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.

7 Anochengetera vakarurama kukunda,

iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa,

8 nokuti anochengetedza nzira yavakarurama,

uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake.

9 Ipapo uchanzwisisa zvakarurama,

kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka.

10 Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako,

uye ruzivo ruchafadza mweya wako.

11 Kungwara kuchakuchengetedza,

uye kunzwisisa kuchakurinda.

12 Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa,

vanhu vane mashoko asakarurama,

13 vanosiya nzira yakarurama

kuti vafambe munzira dzerima,

14 vanofarira kuita zvakaipa

uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa,

15 vane nzira dzakaminama

uye vanonyengera pamaitiro avo.

16 Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve,

kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake,

17 uyo akasiya murume woumhandara hwake

uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari.

18 Nokuti imba yake inoenda kurufu,

uye nzira dzake kumweya yavakafa.

19 Hakuna anoenda kwaari achidzoka

kana kuzowana nzira dzoupenyu.

20 Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka

uye ucharamba uri munzira dzavakarurama.

21 Nokuti vakarurama vachagara munyika,

uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi;

22 asi vakaipa vachaparadzwa panyika,

uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *