Categories
Mapisarema

Mapisarema 111

1 Rumbidzai Jehovha.

Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose,

padare ravakarurama nepagungano.

2 Mabasa aJehovha makuru;

anorangarirwa navose vanofara maari.

3 Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo,

uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.

4 Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe;

Jehovha ane nyasha nengoni.

5 Anopa zvokudya kuna avo vanomutya;

anorangarira sungano yake nokusingaperi.

6 Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake,

achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.

7 Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama,

mitemo yake yose yakavimbika.

8 Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri,

yakaitwa mukutendeka nokururama.

9 Akapa dzikinuro kuvanhu vake;

akasimbisa sungano yake nokusingaperi,

zita rake idzvene uye rinotyisa.

10 Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere;

vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa.

Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *