Categories
Mapisarema

Mapisarema 110

Pisarema raDhavhidhi

1 Jehovha akati kuna She wangu,

“Gara kuruoko rwangu rworudyi,

kusvikira ndaita vavengi vako

chitsiko chetsoka dzako.”

2 Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni;

uchatonga pakati pavavengi vako.

3 Mauto ako achazvipira

pazuva rako rehondo.

Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene,

kubva pachizvaro chamambakwedza

uchagamuchira dova roujaya hwako.

4 Jehovha akapika,

uye haangashanduki, achiti,

“Iwe uri muprista nokusingaperi,

worudzi rwaMerikizedheki.”

5 Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi;

achaparadza madzimambo pazuva rehasha dzake.

6 Achatonga ndudzi, achiunganidza vakafa,

uye achiparadza vatongi venyika yose.

7 Achanwa parukova rwuri parutivi penzira;

naizvozvo achasimudza musoro wake.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *