Categories
Mapisarema

Mapisarema 101

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu;

kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.

2 Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa.

Muchauya riniko kwandiri?

Ndichafamba mumba mangu

nomwoyo usina chaungapomerwa.

3 Handingaisi chinhu chakaipa

pamberi pangu.

Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi;

haanganamatiri kwandiri.

4 Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni;

handichazovi nechokuita nechakaipa.

5 Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda,

iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare;

ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza,

iyeye handingamuregi akadaro.

6 Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika,

kuti vagare neni;

iye ane mafambiro asina chaangapomerwa,

achandishumira.

7 Hakuna munhu anonyengera

achagara mumba mangu;

hakuna munhu anotaura nhema

achamira pamberi pangu.

8 Mangwanani oga oga ndichaita kuti

vakaipa vose vari panyika vanyarare;

ndichauraya vaiti vezvakaipa vose,

vabve muguta raJehovha.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *