Categories
Mapisarema

Mapisarema 96

1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva;

imbirai Jehovha, nyika yose.

2 Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake;

paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.

3 Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi,

namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi.

4 Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa,

iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.

5 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,

asi Jehovha akaita matenga.

6 Kubwinya noumambo zviri pamberi pake;

simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene.

7 Remekedzai Jehovha, imi ndudzi dzose,

ipai rukudzo nesimba kuna Jehovha.

8 Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake;

uyai nechipiriso mugopinda pavanze dzake.

9 Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake;

dederai pamberi pake, imi nyika dzose.

10 Muti pakati pendudzi, “Jehovha ndiye anobata ushe.”

Nyika yakanyatsosimbiswa, haingazungunuswi;

uye achatonga marudzi nokururama.

11 Kudenga denga ngakufare, nyika ngaifarisise;

gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri;

12 masango ngaafare, nezvose zviri maari.

Ipapo miti yose yesango ichaimba nomufaro;

13 ichaimba pamberi paJehovha, nokuti anouya,

anouya kuzotonga nyika.

Achatonga nyika nokururama,

uye vanhu nechokwadi chake.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *