Categories
Mapisarema

Mapisarema 91

1 Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro

achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.

2 Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu,

Mwari wangu, wandinovimba naye.”

3 Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi

napadenda rinouraya.

4 Achakufukidza neminhenga yake,

uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake;

kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.

5 Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku,

kana museve unopfurwa masikati,

6 kana hosha inofamba murima,

kana denda rinoparadza masikati.

7 Chiuru chingawa parutivi rwako,

zviuru gumi kurudyi pako,

asi hazvingaswederi kwauri.

8 Uchangozviona nameso ako chete,

uye uchaona kurangwa kwavakaipa.

9 Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako,

kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,

10 ipapo hapana chakaipa chichakuwira,

hakuna njodzi ichasvika patende rako.

11 Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako,

kuti vakuchengete panzira dzako dzose;

12 vachakusimudza mumaoko avo,

kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.

13 Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva;

uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.

14 “Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura;

ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.

15 Achadana kwandiri, uye ndichamupindura;

ndichava naye pakutambudzika,

ndichamurwira uye ndichamukudza.

16 Ndichamugutsa noupenyu hurefu,

uye ndichamuratidza ruponeso rwangu.”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *