Categories
Mapisarema

Mapisarema 67

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Pisarema. Rwiyo.

1 Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze,

uye apenyese chiso chake pamusoro pedu,Sera

2 kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika,

ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.

3 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari;

marudzi ose ngaakurumbidzei.

4 Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro,

nokuti munotonga marudzi nokururamisira,

uye munotungamirira ndudzi dzenyika.Sera

5 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari;

marudzi ose ngaakurumbidzei.

6 Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo,

uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.

7 Mwari achatiropafadza,

uye migumo yose yepasi ichamutya.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *