Categories
Mapisarema

Mapisarema 65

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.

1 Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni;

kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa.

2 Haiwa, imi munonzwa munyengetero,

vanhu vose vachauya kwamuri.

3 Patakanga takafukidzwa nezvivi,

makakanganwira kudarika kwedu.

4 Vakaropafadzwa avo vamunosarudza

navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu!

Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu,

zvetemberi yenyu tsvene.

5 Munotipindura namabasa okururama anotyisa,

imi Mwari Muponesi wedu,

tariro yemigumo yepasi pose

namakungwa ari kure kure,

6 iyemi makaumba makomo nesimba renyu,

makazvishongedza nesimba,

7 iyemi makanyaradza kutinhira kwamakungwa,

iko kutinhira kwamafungu aro,

nokupopota kwendudzi.

8 Vanogara kure kure vanotya zvishamiso zvenyu;

uko kunobuda mambakwedza uye madekwana achipera,

munodanidzira nziyo dzomufaro.

9 Mune hanya nenyika uye munoidiridza;

munoipfumisa kwazvo.

Hova dzaMwari dzizere nemvura

kuti dzivigire vanhu zviyo,

nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira.

10 Munozadza mihoronga yacho nemvura,

uye munoenzanisa mihomba yacho;

munoinyorovesa nemvura inopfunha

munoropafadza zvibereko zvayo.

11 Munoshongedza gore nekorona yezvakawanda zvenyu,

uye ngoro dzenyu dzinopfachukira nezvakawanda.

12 Uswa hwomurenje hwopfachukira;

zvikomo zvakafukidzwa nomufaro.

13 Mafuro azara namapoka emakwai,

uye mipata yafukidzwa nezviyo;

zvinodanidzira nomufaro uye zvinoimba.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *