Categories
Mapisarema

Mapisarema 62

Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.

1 Mweya wangu unozorora muna Mwari oga;

ruponeso rwangu runobva kwaari.

2 Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu;

ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.

3 Muchasvika kupiko muchingorova munhu?

Ko, imi mose muchamukanda pasi here,

iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa?

4 Vanofunga kwazvo zvokumuwisira

pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira;

vanofarira nhema.

Vanoropafadza nemiromo yavo,

Asi vachituka mumwoyo yavo.Sera

5 Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga;

tariro yangu inobva kwaari.

6 Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu;

ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.

7 Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari;

ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu.

8 Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu;

dururai mwoyo yenyu kwaari,

nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu.Sera

9 Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo,

asi vanokudzwa inhema bedzi;

kana vakayerwa havaremi, havasi chinhu;

vose pamwe chete vanongova mweya.

10 Regai kuvimba noupambi

kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba;

kunyange pfuma yenyu ichiwanda,

regai kuisa mwoyo yenyu pairi.

11 Chinhu chimwe chakataurwa naMwari,

zvinhu zviviri zvandakanzwa:

Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba,

12 uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo.

Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwe

maererano nezvaakaita.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *