Categories
Mapisarema

Mapisarema 57

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakatiza kubva kuna Sauro akapinda mubako.

1 Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, ndinzwirei ngoni,

nokuti mweya wangu unovanda mamuri.

Ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu,

kusvikira njodzi yapfuura.

2 Ndinodanidzira kuna Mwari Wokumusoro-soro,

kuna Mwari anozadzisa chinangwa chake kwandiri.

3 Anotuma kubva kudenga agondiponesa,

achituka vaya vanondidzingirira nehasha;Sera

Mwari anotumira rudo rwake nokutendeka kwake.

4 Ndiri pakati peshumba;

ndinovata pakati pemhuka dzinokara,

ivo vanhu vane meno amapfumo nemiseve,

vane ndimi dzinopinza seminondo.

5 Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga;

kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.Sera

6 Vanowaririra tsoka dzangu mimbure,

ndakakotamiswa pasi nenhamo.

Vakachera gomba panzira yangu,

asi vakawiramo vamene.Sera

7 Mwoyo wangu wakasimba, Mwari wangu,

mwoyo wangu wakasimba;

ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.

8 Chimuka iwe mweya wangu!

Mukai imi mutengeranwa nembira!

Ini ndichamutsa mambakwedza.

9 Ndichakurumbidzai imi, iyemi Ishe, pakati pendudzi;

ndichakuimbirai pakati pamarudzi.

10 Nokuti rudo rwenyu rukuru, runosvika kudenga denga;

kutendeka kwenyu kunosvika kumusoro.

11 Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga;

kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *