Categories
Mapisarema

Mapisarema 48

Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora.

1 Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo,

muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.

2 Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose.

Sokumusoro-soro kweZafoni,

ndizvo zvakaita Gomo reZioni,

guta raMambo Mukuru.

3 Mwari ari munhare dzaro;

akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.

4 Madzimambo akati abatanidza mauto,

vakati vafamba pamwe chete kundorwa,

5 vakariona vakashamiswa;

vakatiza nokutya.

6 Vakabatwa nokudedera ipapo,

nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka.

7 Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi,

zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva.

8 Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona,

muguta raJehovha Wamasimba Ose,

muguta raMwari wedu:

Mwari anorisimbisa nokusingaperi.Sera

9 Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari,

tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.

10 Sezvakaita zita renyu, imi Mwari,

kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika;

ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.

11 Gomo reZioni rinofarisisa,

misha yeJudha inofara

nokuda kwokutonga kwenyu.

12 Famba-fambai muZioni, ripoteredzei,

verengai shongwe dzaro,

13 fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro,

cherechedzai nhare dzaro,

kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera.

14 Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri;

iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *