Categories
Mapisarema

Mapisarema 35

Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni;

rwisai avo vanondirwisa.

2 Torai nhoo huru neduku;

simukai, uye uyai mundibatsire.

3 Vheyesai pfumo guru nepfumo diki

murwise avo vanonditevera.

Muti kumweya wangu,

“Ndini ruponeso rwako.”

4 Vanotsvaka kundiuraya

ngavazvidzwe uye vanyadziswe;

vanorangana kuparadzwa kwangu

ngavadzoserwe shure vachitya.

5 Ngavaite sehundi pamberi pemhepo,

mutumwa waJehovha achivasundira kure;

6 nzira yavo ngaisvibe uye itsvedze,

mutumwa waJehovha achivateverera.

7 Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva,

uye vakandicherera gomba ndisina mhosva,

8 kuparadzwa ngakuvawire pakarepo,

mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo,

ngavawire mugomba ravo vaparare.

9 Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha,

uye uchafarira ruponeso rwake.

10 Zvandiri zvose zvichadanidzira zvichiti:

“Ndianiko akaita semi, Jehovha?

Munonunura varombo kubva

kuna avo vane simba kupinda ravo.”

11 Zvapupu zvino utsinye zvinouya mberi;

zvinondibvunza pamusoro pezvinhu zvandisingazivi.

12 Vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa,

uye vanosiya mweya wangu uchidzungaira.

13 Asi pavairwara, ndakafuka nguo dzamasaga

ndikazvininipisa nokutsanya.

Munyengetero wangu pawakadzokera kwandiri usina mhinduro,

14 ndakafamba-famba ndichichema

kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu.

Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema,

sokunge ndinochema mai vangu.

15 Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara;

varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi.

Vakandireva vasingaregi.

16 Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo;

vakandirumanyira meno avo.

17 Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira?

Nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo,

noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi.

18 Ndichakuvongai paungano huru;

ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.

19 Ngavarege kufara pamusoro pangu

avo vanondivenga ndisina mhosva;

vanondivenga ndisina mhosva

ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga.

20 Havatauri norugare,

asi vanofunga kupomera mhosva

pamusoro pavanogara norunyararo munyika.

21 Vanondishamira miromo yavo vachiti,

“Hekani waro! Hekani waro! Tazviona nameso edu.”

22 Haiwa Jehovha, mazviona izvi; regai kunyarara.

Regai kuva kure neni, imi Ishe.

23 Mukai uye simukai mundirwire!

Ndirwirei, Mwari wangu naIshe wangu.

24 Ndiruramisirei mukururama kwenyu, imi Jehovha Mwari wangu;

musarega vachifara pamusoro pangu.

25 Musarega vachifunga mumwoyo mavo vachiti, “Hekani waro,

ndizvo zvatanga tichida!” kana kuti vati, “Tamumedza chose.”

26 Vose vanofarira kutambudzika kwangu

ngavanyadziswe uye vanyonganiswe;

vose vanozvisimudzira pamusoro pangu

ngavafukidzwe nenyadzi nokuzvidzwa.

27 Vose vanofarira kururamisirwa kwangu

ngavapembere nomufaro nokufarisisa;

ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe,

iye anofarira kugara zvakanaka kwavaranda vake.”

28 Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu,

uye nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *