Categories
Mapisarema

Mapisarema 34

Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake.

1 Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose;

kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.

2 Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha;

vanotambudzika ngavanzwe vafare.

3 Kudzai Jehovha pamwe chete neni;

ngatikudzei zita rake pamwe chete.

4 Ndakachema kuna Jehovha akandipindura;

akandisunungura pakutya kwangu kwose.

5 Vanotarira kwaari vanopenya;

zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.

6 Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa;

akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.

7 Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya,

uye anovasunungura.

8 Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka;

akaropafadzwa munhu anovanda maari.

9 Ityai Jehovha, imi vatsvene vake,

nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.

10 Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara,

asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.

11 Uyai, vana vangu, nditeererei;

ndichakudzidzisai kutya Jehovha.

12 Ani naani wenyu anoda upenyu,

uye uchida kuona mazuva akawanda,

13 dzora rurimi rwako pane zvakaipa

nemiromo yako pakureva nhema.

14 Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka;

tsvaka rugare uye urutevere.

15 Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama

uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;

16 chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa,

kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.

17 Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa;

anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.

18 Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika

uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.

19 Akarurama angava namatambudziko mazhinji,

asi Jehovha anomurwira paari ose;

20 anochengetedza mapfupa ake ose,

hakuna nerimwe rawo richavhunika.

21 Zvakaipa zvichauraya vakaipa;

vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.

22 Jehovha anodzikinura varanda vake;

hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *