Categories
Mapisarema

Mapisarema 29

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ipai kuna Jehovha, imi mune simba

ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba.

2 Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake;

namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.

3 Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji.

Mwari wokubwinya anotinhira,

Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji.

4 Inzwi raJehovha rine simba;

inzwi raJehovha rinokudzwa.

5 Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari,

Jehovha anovhuna-vhuna misidhari yeRebhanoni.

6 Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru,

neSirioni senzombe yenyati.

7 Inzwi raJehovha rinorova

nokuvaima kwemheni.

8 Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga;

Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi.

9 Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki

uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e.

Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!”

10 Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura;

Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi.

11 Jehovha anopa simba kuvanhu vake;

Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *