Categories
Mapisarema

Mapisarema 28

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu;

musandinyararira.

Nokuti kana mukaramba munyerere,

ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba.

2 Inzwai kuchemera ngoni kwangu,

sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri,

sezvo ndichisimudza maoko angu

ndakatarira kuNzvimbo yenyu Tsvene-tsvene.

3 Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa,

naavo vanoita zvakaipa,

vanotaura rugare navavakidzani vavo

asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo.

4 Vatsivei pamabasa avo

napabasa ravo rakaipa,

vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo;

mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira.

5 Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha

uye nezvakaitwa namaoko ake,

achavaputsira pasi

akasavavakazve.

6 Jehovha ngaarumbidzwe,

nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.

7 Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu;

mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa.

Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro

uye ndichamuvonga nenziyo.

8 Jehovha ndiye simba ravanhu vake,

nhare yoruponeso yomuzodziwa wake.

9 Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu;

ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *