Categories
Mapisarema

Mapisarema 24

Pisarema raDhavhidhi.

1 Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi,

nyika, navose vanogaramo;

2 nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa

uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.

3 Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha?

Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?

4 Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka,

asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo,

kana kupika nhema.

5 Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha

nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.

6 Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka,

ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho.Sera

7 Simudzai misoro yenyu, imi masuo;

muisimudze, imi makonhi akare,

kuti Mambo wokubwinya apinde.

8 Ndianiko uyu Mambo wokubwinya?

Ndiye Jehovha ane simba noumhare,

Jehovha ane simba pakurwa.

9 Simudzai misoro yenyu, imi masuo;

muasimudze, imi makonhi akare,

kuti Mambo wokubwinya apinde.

10 Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya?

Jehovha Wamasimba Ose,

ndiye Mambo wokubwinya.Sera

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *