Categories
Mapisarema

Mapisarema 20

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Jehovha ngaakupindure paunotambudzika;

zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire.

2 Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene,

uye akupe rutsigiro runobva kuZioni.

3 Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose

uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa.Sera

4 Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako,

uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire.

5 Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako,

uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu.

Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira.

6 Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake;

anomupindura ari kudenga rake dzvene,

nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi.

7 Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza,

asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.

8 Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa,

asi isu tinosimuka tigomira takasimba.

9 Haiwa Jehovha, ponesai mambo!

Tipindurei patinodana!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *