Categories
Mapisarema

Mapisarema 19

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Matenga anotaura kubwinya kwaMwari;

matenga anoparidza mabasa amaoko ake.

2 Zuva nezuva anotaura;

usiku nousiku anoratidza zivo.

3 Hakuna mutauro kana rurimi

rusinganzwi inzwi ravo.

4 Inzwi razvo rinosvika panyika yose,

mashoko azvo kumagumo apasi.

Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva,

5 rakaita sechikomba chinobuda mumba,

seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange.

6 Rinobuda kuno rumwe rutivi rwedenga

richitenderera kusvikira kuno rumwe rutivi;

hakuna chinhu chakavanzika kubva pakupisa kwaro.

7 Murayiro waJehovha wakakwana,

unomutsiridza mweya.

Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika,

zvinopa njere kuna vasina mano.

8 Zvirevo zvaJehovha zvakarurama,

zvinopa mufaro kumwoyo.

Murayiro waJehovha unopenya,

unopa chiedza kumaziso.

9 Kutya Jehovha kwakanaka,

kunogara nokusingaperi.

Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi

uye zvose zvakarurama.

10 Zvinokosha kupfuura goridhe,

kupfuura goridhe rakanatswa;

zvinotapira kupfuura uchi,

kupinda uchi hwabva muzinga.

11 Muranda wenyu anoyambirwa nazvo;

pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru.

12 Ndianiko angaziva kukanganisa kwake?

Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika.

13 Dzorai muranda wenyu kubva pakutadza nobwoni;

ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu.

Ipapo handizovi nemhosva,

ndisina mhaka yokudarika kukuru.

14 Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu

ngazvifadze pamberi penyu,

imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *