Categories
Mapisarema

Mapisarema 14

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Benzi rinoti mumwoyo maro,

“Hakuna Mwari.”

Vakaora, mabasa avo akashata;

hakuna anoita zvakanaka.

2 Jehovha ari kudenga anotarira pasi

pamusoro pavanakomana vavanhu,

kuti aone kana aripo anonzwisisa,

naani zvake anotsvaka Mwari.

3 Vose vakatsauka,

vose pamwe chete vakasvibiswa;

hakuna anoita zvakanaka,

kunyange nomumwe.

4 Ko, vaiti vezvakaipa havadzidziwo here,

ivo vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa,

uye vasingadani kuna Jehovha?

5 Pavari ipapo, vakazara nokutya,

nokuti Mwari ari paungano yavakarurama.

6 Imi vaiti vezvakaipa, munokanganisa urongwa hwavarombo,

asi Jehovha ndiye utiziro hwavo.

7 Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwaibuda muZioni!

Kana Jehovha achidzosazve nhaka yavanhu vake,

Jakobho ngaapembere uye Israeri ngaafare.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *